Revelation of John 13

Zvikara zviviri

1Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba. 2Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru. 3Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa rakange rapodzwa; nyika yese ikashamisika shure kwechikara. 4Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho? 5Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri. 6Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga. 7Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwese nerurimi nerudzi. 8Uye vese vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika. 9Kana umwe ane nzeve, ngaanzwe. 10Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.

Chikara chakabva panyika

11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana. 12Uye chakashandisa simba rese rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa. 13Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu. 14Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chakange chine vanga remunondo, chikararama. 15Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vese vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe. 16Chinoitawo vese, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo, 17uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho. 18Hehuno uchenjeri. Ane kunzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nokuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.

Copyright information for Shona